Psalms 138

Pisarema raDhavhidhi.

1Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;
ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.”
2Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene,
uye ndicharumbidza zita renyu
nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu,
nokuti makakudza zita renyu
neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.
3Pandakadana, imi makandipindura;
makandishingisa nomwoyo wakasimba.

4Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha,
pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.
5Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.

6Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa,
asi vanozvikudza anovaziva vari kure.
7Kunyange ndikafamba pakati penhamo,
munochengetedza upenyu hwangu;
munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu,
munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.
8Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni;
rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi,
musasiya mabasa amaoko enyu.
Copyright information for SnaBDSC